Mateo 9:18 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 9:18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari agorarama.”
Mateo 9:18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achavaudza izvozvo, mumwe mukuru akasvikapo, akamupfugamira, akati, “Mukunda wangu afa ikozvino, asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, ararame.”
Mateo 9:18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Wakati acaʋaʋudza iɀoɀo, mumŋe muɓati akaȿika’po, akamunamata, akati: Mukunda waŋgu wafa ikoɀino, asi ʋuyai muise ruʋoko rwenyu pamsoro pake, ararame.
Mateo 9:18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakanga achiri kutaura kwavari mumwe mutungamiri akapinda akapfugama pamberi pake achiti, “Mwanasikana wangu afa iye zvino izvi. Uyai muzoisa ruoko rwenyu paari, achararama.”
Mateo 9:18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Jesu paakanga achiri kutaura kwavari mumwe mutungamiri akapinda akapfugama pamberi pake achiti, “Mwanasikana wangu afa iye zvino izvi. Uyai muzoisa ruoko rwenyu paari, achararama.”