Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 9:16 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 9:16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Hapana munhu anosonera chigamba chitsva panguo tsaru, nokuti chigamba chichabvarura nguo iya, buri racho richizobva ranyanya.

Pakurirana nevamwe
Mateo 9 BDSC

Mateo 9:16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Hakuna munhu anoisa chiremo chitsva panguo yakasakara; nokuti chakasonerwa chinobvarura nguo, buri rikanyanya.

Pakurirana nevamwe
Mateo 9 SNA2002

Mateo 9:16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Hakunomunhu unoisa ciremo citȿa paŋguʋo yakasakara; nokuti cakasonerwa cinobvarura ŋguʋo, ʋuri rikanyanya.

Pakurirana nevamwe
Mateo 9 SUB1949

Mateo 9:16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru. Chigamba chinotobvarura hanzu tsaru iya. Ichitobva yanyanya kubvaruka.

Pakurirana nevamwe
Mateo 9 SCLB

Mateo 9:16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru. Chigamba chinotobvarura hanzu tsaru iya. Ichitobva yanyanya kubvaruka.

Pakurirana nevamwe
Mateo 9 SCLBD