Mateo 9:1-8
Mateo 9:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapinda mugwa akayambuka ndokusvika kuguta rokwake. Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, “Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa.” Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!” Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, “Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu? Ndezvipi zvakareruka, kuti, ‘Zvivi zvako waregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.” Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake. Vanhu vazhinji pavakazviona, vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari uyo akanga apa simba rakadai kuvanhu.
Mateo 9:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akapinda muigwa, akayambuka, ndokusvika kuguta rake. Zvino vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mitezo achiona kutenda kwavo, akati kumunhu akanga akafa mitezo, “Mwana, tsunga mwoyo, waregererwa zvivi zvako.” Zvino vamwe vavanyori vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu anoshonha Mwari.” Asi Jesu achiziva mifungo yavo, akati, “Munofungireiko zvakaipa mumwoyo yenyu? Nokuti chinyiko chakareruka, kuti, ‘Wakaregererwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, ufambe?’ Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi,” (akati kumunhu akanga akafa mitezo,) “Simuka, tora nhoo dzako, uende kumba kwako!” Akasimuka, akaenda kumba kwake. Vanhu vazhinji vakati vachizviona, vakatya, vakarumbidza Mwari, akapa vanhu simba rakadai.
Mateo 9:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakapinda mugwa, akayambuka ndokusvika kuguta rake. Havo vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga akatonhora mitezo akati rabada pabonde rake! Jesu paakaona chitendero chavo akati kune munhu uya akatonhora mitezo, “Tsunga mwoyo mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.” Ipapo dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakati, nechomumwoyo, “Munhu uyu ari kushonha Mwari.” Zvino Jesu zvaaiziva zvavaifunga akati; “Munofungirei zvakaipa mumwoyo yenyu. Ko chakareruka ndechipi kuti, ‘Zvitadzo zvako zvaregererwa.’ Kana kuti, ‘Simuka ufambe?’ Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvitadzo” akati kune munhu uya akanga akatonhora mitezo, “Simuka utore bonde rako uende kumusha.” Akasimukawo akaenda kumusha. Gungano riya parakazviona rakatya rikarumbidza Mwari akanga apa simba rakadaro kuvanhu.
Mateo 9:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakapinda mugwa, akayambuka, ndokuȿika kuguta rake. Ɀino ʋakaʋuya kwaari nomunhu wakaŋga akafa mitezo, aʋete panhoʋo; Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo: Mŋana, tsuŋga mŋoyo, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. Ɀino ʋamŋe ʋaʋanyori ʋakati mumŋoyo yaʋo: Munhu uyu unomhura Mŋari. Asi Jesu aciziʋa mifuŋgo yaʋo, akati: Munofuŋgireiko ɀakaipa mumŋoyo yenyu? Nokuti cinyiko cakareruka, kuti: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, ufambe? Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo:) Simuka, tora nhoʋo dzako, uende kumba kwako! Akasimuka, akaenda kumba kwake. Ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakatya, ʋakarumbidza Mŋari, wakapa ʋanhu simba rakaɗai.
Mateo 9:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)