Mateo 8:1-4
Mateo 8:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati aburuka kubva mugomo, vanhu vazhinji vakamutevera. Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake. Ipapo Jesu akati kwaari, “Ona kuti hapana waunotaurira uye ugopa chipo chakarayirwa naMozisi sechapupu kwavari.”
Mateo 8:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati aburuka pagomo, vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera. Tarira, munhu anamaperembudzi akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati, “Ndinoda; chinatswa!” Pakarepo maperembudzi ake akanatswa. Jesu akati kwaari, “Tarira, usaudza munhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubayire chipo chakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.”
Mateo 8:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakaburuka mugomo muya, vanhu vazhinji zhinji vakamutevera. Hoyo mumwe munhu akanga ana maperembudzi akauya kwaari akasvikopfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, kana muchida zvenyu, munokwanisa kundiporesa muchindichenura.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, achiti, “Ndinoda, natswa uchenurwe hako.” Pakarepo akabva anatswa maperembudzi ake. Jesu akati kwaari, “Usawane waunotaurira. Asi enda undozviratidza kumupristi upire chipo chakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu chako kuvanhu.”
Mateo 8:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati aɓuruka pagomo, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera. Tarira, munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akamunamata, akati: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa. Akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati: Ndinoɗa; cinatswa! Pakarepo maperembudzi ake akanatswa. Jesu akati kwaari: Tarira, usaʋudza munhu; asi enda, uɀiratidze kumuprista, uɓayire cipo cakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari.
Mateo 8:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)