Mateo 7:26-29
Mateo 7:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya ikawa nokuwa kukuru.” Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akadzidzisa somurume aiva nesimba kwete samadzidzisiro aiitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.
Mateo 7:26-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, angafananidzwa nomurume benzi, akavaka imba yake pajecha. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.” Jesu akati apedza mashoko iwaya, vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori vavo.
Mateo 7:26-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu wose anonzwa mazwi angu aya, asingaachengeti, akaita somurume benzi akavakira imba yake pajecha. Mvura yakanaya, mafashamo akauya. Dutu rakavhuvhuta rikaroverera paimba iyoyo ikawa, kuwa kwayo kwakava kukuru kwazvo.” Jesu paakangopedza mashoko aya gungano riya ravanhu rakashamiswa norudzidziso rwake nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba kwete senyanzvi dzavo dzomutemo.
Mateo 7:26-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akasaaita, uŋgafananidzwa nomurume ɓenzi, wakaʋaka imba yake pajeca. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukaʋa kukuru. Jesu wakati apedza mashoko iwaya, ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti wakaŋga aciʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori ʋaʋo.
Mateo 7:26-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)