Mateo 7:26-27
Mateo 7:26-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya ikawa nokuwa kukuru.”
Mateo 7:26-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, angafananidzwa nomurume benzi, akavaka imba yake pajecha. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.”
Mateo 7:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu wose anonzwa mazwi angu aya, asingaachengeti, akaita somurume benzi akavakira imba yake pajecha. Mvura yakanaya, mafashamo akauya. Dutu rakavhuvhuta rikaroverera paimba iyoyo ikawa, kuwa kwayo kwakava kukuru kwazvo.”
Mateo 7:26-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akasaaita, uŋgafananidzwa nomurume ɓenzi, wakaʋaka imba yake pajeca. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukaʋa kukuru.
Mateo 7:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)