Mateo 7:17-19
Mateo 7:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa. Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto.
Mateo 7:17-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka izvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka michero yakanaka, asi muti wakaipa unobereka michero yakaipa. “Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nomuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. Muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto.
Mateo 7:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nezvo muti wose wakanaka unobereka muchero wakanaka; asi muti wakaipa unobereka muchero wakaipa. Muti wakanaka haungabereki muchero wakaipa; mutiwo wakaipa haungabereki muchero wakanaka. Muti wose usingabereki muchero wakanaka unotemwa uchikandwa mumoto.
Mateo 7:17-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saiɀoɀo muti mumŋe nomumŋe wakanaka unoɓereka ɀiɓereko ɀakanaka, asi muti wakaipa unoɓereka ɀiɓereko ɀakaipa. Muti wakanaka hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakaipa, nomuti wakaipa hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka. Muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto.
Mateo 7:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)