Mateo 7:1-9
Mateo 7:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Usatonga kuti newewo urege kutongwa. Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri. “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsika-tsika pasi petsoka, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvambura-bvamburai. “Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo. “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe?
Mateo 7:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Musatonga, kuti murege kutongwa; nokuti kutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiero chamunoera nacho, muchaerwa nacho. Unotarireiko kabanzu kari muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako? Kana ungataura seiko kuhama yako, uchiti, ‘Rega, ndibvise kabanzu muziso rako,’ izvo danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako; ugoona kwazvo kubvisa kabanzu muziso rehama yako. “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye, musakanda maparera enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai. “Kumbira, muchapiwa; tsvakai muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. “Nokuti mumwe nomumwe anokumbira anopiwa; anotsvaka aNowana; anogogodza anozarurirwa. Munhu ndoupiko kwamuri, kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, angamupa ibwe?
Mateo 7:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Musatonge vamwe, imiwo hamuzotongwi. Matongero amunoita vamwe ndiwo amuchatongwawo nawo. Mwero wamunoera nawo, ndiwo mwero wamuchaererwawo nawo. Unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni zidanda riri muziso mako kana kuti ungati sei kune hama yako rega ndikubvise kabanzu kari muziso rako, imo muziso rako muine zidanda. Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso rako. Ipapo unenge wava kunyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. Musape zvinhu zvinoera kuimbwa kana kukanda matombo anokosha amapera pamberi penguruve, dzingadaro dzikaatsika–tsika uye dzodzoka dzokurwisai imi. “Kumbirai muchapiwa, tsvakai muchawana, gogodzai muchazarurirwa. Nokuti wose anokumbira anopiwa. Anotsvaka anowana. Uye unogogodza achazarurirwa. Nokuti ndiani wenyu anoti kana mwana wake amukumbira chingwa, anomupa dombo.
Mateo 7:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musatoŋga, kuti murege kutoŋgwa; nokuti nokutoŋga kwamunotoŋga nako, mucatoŋgwa nako, neciyero camunoyera naco, mucayerwa naco. Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, asi hauʋoni ɗanda riri muziso rako? Kana uŋgataura seiko kuhama yako, uciti: Rega, ndibvise ruɓanzu muziso rako, iɀo, ɗanda riri muziso rako? Iwe munyeŋgeri, taŋga kubvisa ɗanda muziso rako; ugoʋona kwaɀo kubvisa ruɓanzu muziso rehama yako. Musapa imbga ɀinhu ɀitȿene, ʋuye, musakanda maparera enyu pamberi peŋguruʋe, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeʋuka dzikakubvamburai. Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa. Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira unopiwa; unotȿaka unowana; unogogodza unozarurirwa. Munhu ndoupiko kwamuri, kana mŋanakomana wake akakumbira ciŋgwa, uŋgamupa ibge?
Mateo 7:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)