Mateo 7:1-29
Mateo 7:1-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Usatonga kuti newewo urege kutongwa. Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri. “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsika-tsika pasi petsoka, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvambura-bvamburai. “Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo. “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe? Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka? Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira! Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita. “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro. Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana. “Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza. Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato? Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa. Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto. Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo. “Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’ Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’ “Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware. Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya ikawa nokuwa kukuru.” Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akadzidzisa somurume aiva nesimba kwete samadzidzisiro aiitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.
Mateo 7:1-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Musatonga, kuti murege kutongwa; nokuti kutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiero chamunoera nacho, muchaerwa nacho. Unotarireiko kabanzu kari muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako? Kana ungataura seiko kuhama yako, uchiti, ‘Rega, ndibvise kabanzu muziso rako,’ izvo danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako; ugoona kwazvo kubvisa kabanzu muziso rehama yako. “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye, musakanda maparera enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai. “Kumbira, muchapiwa; tsvakai muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. “Nokuti mumwe nomumwe anokumbira anopiwa; anotsvaka aNowana; anogogodza anozarurirwa. Munhu ndoupiko kwamuri, kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, angamupa ibwe? Kana akakumbira hove, angamupa nyoka? Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari! “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murayiro navaporofita. “Pindai nesuo rakamanikana; nokuti suo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda mukuparadzwa; vanopinda napo vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuhupenyu, uye vanoiwana vashoma. “Chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vane nguo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. “Muchavaziva nezvibereko zvavo. Madzambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana maonde parukato? Saka izvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka michero yakanaka, asi muti wakaipa unobereka michero yakaipa. “Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nomuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. Muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto. Saka muchavaziva nemichero yavo. “Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ vachapinda muushe hwokudenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, ‘Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here?’ Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita zvishamiso zvizhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena, handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vezvisakarurama. “Naizvozvo mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akaaita, angafananidzwa nomurume akachenjera, akavaka imba yake paruware. “Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo; ikasawa, nokuti yakanga yakavakirwa paruware. Mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, angafananidzwa nomurume benzi, akavaka imba yake pajecha. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.” Jesu akati apedza mashoko iwaya, vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori vavo.
Mateo 7:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Musatonge vamwe, imiwo hamuzotongwi. Matongero amunoita vamwe ndiwo amuchatongwawo nawo. Mwero wamunoera nawo, ndiwo mwero wamuchaererwawo nawo. Unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni zidanda riri muziso mako kana kuti ungati sei kune hama yako rega ndikubvise kabanzu kari muziso rako, imo muziso rako muine zidanda. Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso rako. Ipapo unenge wava kunyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. Musape zvinhu zvinoera kuimbwa kana kukanda matombo anokosha amapera pamberi penguruve, dzingadaro dzikaatsika–tsika uye dzodzoka dzokurwisai imi. “Kumbirai muchapiwa, tsvakai muchawana, gogodzai muchazarurirwa. Nokuti wose anokumbira anopiwa. Anotsvaka anowana. Uye unogogodza achazarurirwa. Nokuti ndiani wenyu anoti kana mwana wake amukumbira chingwa, anomupa dombo. Kana kuti akakumbira hove omupa nyoka? Zvino kana imi vaipi, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, ko kutozoti Baba venyu vari kudenga, vanopa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanovakumbira! Zvose zvamungade kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo nokuti uyu ndiwo mutemo navaporofita. “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rinotungamira kundoparadzwa rakapamhamha uye nzira yacho inyore, vanopinda napo vakawanda. Asi isuo rakamanikana uye nzira yacho yakaoma inoendesa kuupenyu, vanoiwana vacho vashoma. “Ngwarirai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe ehwai ivo mukati vari mhumhi dzinorura. Muchavaziva nemichero yavo; magirepisi angakohwiwa muminzwa here, kana maonde murukato here? Nezvo muti wose wakanaka unobereka muchero wakanaka; asi muti wakaipa unobereka muchero wakaipa. Muti wakanaka haungabereki muchero wakaipa; mutiwo wakaipa haungabereki muchero wakanaka. Muti wose usingabereki muchero wakanaka unotemwa uchikandwa mumoto. Nezvo muchavaziva nemichero yavo. “Havasi vose vanonditi, ‘Tenzi Tenzi’ vachapinda muumambo hwedenga asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Pazuva iroro, vazhinji vachanditi, ‘Tenzi Tenzi, hatina here kuporofita muzita renyu, tikadzinga mweya yakaipa muzita renyu, tikaita mabasa anoshamisa muzita renyu?’ Ipapo ndichavataurira pachena kuti handina kumbokuzivai. Ndibvirei pano imi vaiti vezvakaipa. “Naizvozvo munhu wose anonzwa mazwi angu aya achiita zvaanoreva, achave somunhu mungwaru akavakira imba yake paruware. Mvura yanaya, mafashamo akauya; dutu rikavhuvhuta richiroverera pamba iyoyo; asi haina kuwa nokuti yakanga yavakirwa paruware. Munhu wose anonzwa mazwi angu aya, asingaachengeti, akaita somurume benzi akavakira imba yake pajecha. Mvura yakanaya, mafashamo akauya. Dutu rakavhuvhuta rikaroverera paimba iyoyo ikawa, kuwa kwayo kwakava kukuru kwazvo.” Jesu paakangopedza mashoko aya gungano riya ravanhu rakashamiswa norudzidziso rwake nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba kwete senyanzvi dzavo dzomutemo.
Mateo 7:1-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musatoŋga, kuti murege kutoŋgwa; nokuti nokutoŋga kwamunotoŋga nako, mucatoŋgwa nako, neciyero camunoyera naco, mucayerwa naco. Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, asi hauʋoni ɗanda riri muziso rako? Kana uŋgataura seiko kuhama yako, uciti: Rega, ndibvise ruɓanzu muziso rako, iɀo, ɗanda riri muziso rako? Iwe munyeŋgeri, taŋga kubvisa ɗanda muziso rako; ugoʋona kwaɀo kubvisa ruɓanzu muziso rehama yako. Musapa imbga ɀinhu ɀitȿene, ʋuye, musakanda maparera enyu pamberi peŋguruʋe, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeʋuka dzikakubvamburai. Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa. Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira unopiwa; unotȿaka unowana; unogogodza unozarurirwa. Munhu ndoupiko kwamuri, kana mŋanakomana wake akakumbira ciŋgwa, uŋgamupa ibge? Kana akakumbira hoʋe, uŋgamupa nyoka? Ɀino kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapfuʋurisa seiko kupa ɀinhu ɀakanaka iʋo ʋanokumbira kwaari! Saka ɀinhu ɀose ɀamunoɗa kuti ʋanhu ʋakuitirei, muʋaitire nemi ʋo saiɀoɀo, nokuti ndiwo murairo naʋaprofita. Pindai nesuʋo rakamanikana; nokuti suʋo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; ʋanopinda naro ʋazhinji. Nokuti suʋo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuʋupenyu, ʋanoiwana ʋashoma. Cenjerai ʋaprofita ʋenhema, ʋanoʋuya kwamuri ʋaneŋguʋo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza. Mucaʋaziʋa neɀiɓereko ɀaʋo. Mazambiriŋga anombotanhwa paminzwa here, kana maʋonde parukato? Saiɀoɀo muti mumŋe nomumŋe wakanaka unoɓereka ɀiɓereko ɀakanaka, asi muti wakaipa unoɓereka ɀiɓereko ɀakaipa. Muti wakanaka hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakaipa, nomuti wakaipa hauŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka. Muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto. Saka mucaʋaziʋa neɀiɓereko ɀaʋo. Haʋazi ʋose ʋanoti kwandiri, Ishe, Ishe, ʋacapinda muʋushe bgokuɗeŋga; asi unoita kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Ʋazhinji ʋacati kwandiri nezuʋa iro: Ishe, Ishe, hatina‐kuprofita muzita renyu here? Nokudziŋga mŋeya yakaipa muzita renyu here? Nokuita maɓasa esimba mazhinji muzita renyu here? Ɀino ndicaʋaʋudza pacena: Handina‐kutoŋgokuziʋai; ibvai kwandiri, imi ʋaiti ʋokusarurama. Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akaaita, uŋgafananidzwa nomurume wakacenjera, wakaʋaka imba yake paruware. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo; ikasawa, nokuti yakaŋga yakateyiwa paruware. Mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akasaaita, uŋgafananidzwa nomurume ɓenzi, wakaʋaka imba yake pajeca. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukaʋa kukuru. Jesu wakati apedza mashoko iwaya, ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti wakaŋga aciʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori ʋaʋo.
Mateo 7:1-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)