Mateo 6:9-15
Mateo 6:9-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe, umambo hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva. Tiregererei zvatinokutadzirai, sezvatinoregererawo vanotitadzira isu. Musatitungamirira mukuedzwa, uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’ Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo. Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu.
Mateo 6:9-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino imi nyengeterai kudai: ‘Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana. Mutiregererei mhosva dzedu sezvatinoregererawo vane mhosva nesu. Musatirege tichiedzwa, asi mutinunurei pane zvakaipa. (Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya, nokusingaperi. Ameni)’ Nokuti kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo Asi kana musingaregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu havangakuregerereiwo kutadza kwenyu.
Mateo 6:9-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nezvo namatai sezvizvi muchiti: ‘Baba vedu muri kudenga zita renyu ngariereswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva nezuva. Tiregerereiwo zvitadzo zvedu, sokuregerera kwatinoita vanotitadzira Musatirege tichipinda muchiedzo. Asi tinunureiwo kune zvakaipa.’ Nokuti umambo ndowenyu, nesimba nembiri, narini narini. Ameni. “Kana mukaregerera vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyu vokudenga vanokuregereraiwo zvikanganiso zvenyu. Kana musingaregereri vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyuwo havakuregererei zvikanganiso zvenyu.
Mateo 6:9-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino imi nyeŋgeterai kuɗai: Ƃaɓa ʋeɗu ʋari kuɗeŋga, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene. Ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe panyika seɀakunoitwa kuɗeŋga. Mutipei nhasi ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana. mutikaŋganwirei mhoȿa dzeɗu seɀatinokaŋganwira ʋo ʋanemhoȿa nesu. Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwirei panowakaipa. [Nokuti ʋushe ndobgenyu, nesimba, nokubginya, nokusiŋgaperi. Ameni.] Nokuti kana mucikaŋganwira ʋanhu kuɗarika kwaʋo, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacakukaŋganwirai ʋo. Asi kana musiŋgakanwiri ʋanhu kuɗarika kwaʋo, Ƃaɓa ʋenyu haʋaŋgakukaŋganwiriyi ʋo kuɗarika kwenyu.
Mateo 6:9-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)