Mateo 6:9-12
Mateo 6:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe, umambo hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva. Tiregererei zvatinokutadzirai, sezvatinoregererawo vanotitadzira isu.
Mateo 6:9-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino imi nyengeterai kudai: ‘Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana. Mutiregererei mhosva dzedu sezvatinoregererawo vane mhosva nesu.
Mateo 6:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nezvo namatai sezvizvi muchiti: ‘Baba vedu muri kudenga zita renyu ngariereswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva nezuva. Tiregerereiwo zvitadzo zvedu, sokuregerera kwatinoita vanotitadzira
Mateo 6:9-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino imi nyeŋgeterai kuɗai: Ƃaɓa ʋeɗu ʋari kuɗeŋga, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene. Ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe panyika seɀakunoitwa kuɗeŋga. Mutipei nhasi ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana. mutikaŋganwirei mhoȿa dzeɗu seɀatinokaŋganwira ʋo ʋanemhoȿa nesu.
Mateo 6:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)