Mateo 6:8-13
Mateo 6:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira. “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe, umambo hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva. Tiregererei zvatinokutadzirai, sezvatinoregererawo vanotitadzira isu. Musatitungamirira mukuedzwa, uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’
Mateo 6:8-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari. Zvino imi nyengeterai kudai: ‘Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana. Mutiregererei mhosva dzedu sezvatinoregererawo vane mhosva nesu. Musatirege tichiedzwa, asi mutinunurei pane zvakaipa. (Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya, nokusingaperi. Ameni)’
Mateo 6:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musafanane navo, nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda musati mavakumbira. Nezvo namatai sezvizvi muchiti: ‘Baba vedu muri kudenga zita renyu ngariereswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva nezuva. Tiregerereiwo zvitadzo zvedu, sokuregerera kwatinoita vanotitadzira Musatirege tichipinda muchiedzo. Asi tinunureiwo kune zvakaipa.’ Nokuti umambo ndowenyu, nesimba nembiri, narini narini. Ameni.
Mateo 6:8-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo musafanana naʋo; nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa ɀamunoshaiwa, musati makumbira kwaʋari. Ɀino imi nyeŋgeterai kuɗai: Ƃaɓa ʋeɗu ʋari kuɗeŋga, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene. Ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe panyika seɀakunoitwa kuɗeŋga. Mutipei nhasi ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana. mutikaŋganwirei mhoȿa dzeɗu seɀatinokaŋganwira ʋo ʋanemhoȿa nesu. Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwirei panowakaipa. [Nokuti ʋushe ndobgenyu, nesimba, nokubginya, nokusiŋgaperi. Ameni.]
Mateo 6:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)