Mateo 6:7-8
Mateo 6:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji. Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira.
Mateo 6:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji. Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari.
Mateo 6:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi imi kana mava kunamata regai kuzavaza sezvinoita vechirudzi nokuti vanofunga kuti vanonzwika nokuda kokuwanda kwamazwi avo. Musafanane navo, nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda musati mavakumbira.
Mateo 6:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakunyeŋgetera kwenyu, musapamhidza ɀisinamaturo saʋahedeni; nokuti iʋo ʋanofuŋga kuti ʋacanzwika nokutaura kwaʋo kuzhinji. Naiɀoɀo musafanana naʋo; nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa ɀamunoshaiwa, musati makumbira kwaʋari.