Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 6:7-21

Mateo 6:7-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji. Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira. “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe, umambo hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva. Tiregererei zvatinokutadzirai, sezvatinoregererawo vanotitadzira isu. Musatitungamirira mukuedzwa, uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’ Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo. Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu. “Pamunotsanya, musaunyanisa zviso sezvinoita vanyengeri nokuti vanounyanisa zviso zvavo kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu, kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro. “Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba. Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba. Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 6

Mateo 6:7-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji. Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari. Zvino imi nyengeterai kudai: ‘Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana. Mutiregererei mhosva dzedu sezvatinoregererawo vane mhosva nesu. Musatirege tichiedzwa, asi mutinunurei pane zvakaipa. (Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya, nokusingaperi. Ameni)’ Nokuti kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo Asi kana musingaregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu havangakuregerereiwo kutadza kwenyu. “Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira, savanyengeri; nokuti vanoipisa zviso zvavo, vaonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Vapiwa mubayiro wavo.’ Asi iwe, kana uchizvinyima zvokudya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako; kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi kuonekwa naBaba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro. “Regai kuzviunganidzira pfuma pasi pano, pane zvipfunho nengura zvinopedza, napane mbava dzinopaza dzichiba. “Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasina zvipfunho nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba. “Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 6

Mateo 6:7-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Asi imi kana mava kunamata regai kuzavaza sezvinoita vechirudzi nokuti vanofunga kuti vanonzwika nokuda kokuwanda kwamazwi avo. Musafanane navo, nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda musati mavakumbira. Nezvo namatai sezvizvi muchiti: ‘Baba vedu muri kudenga zita renyu ngariereswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva nezuva. Tiregerereiwo zvitadzo zvedu, sokuregerera kwatinoita vanotitadzira Musatirege tichipinda muchiedzo. Asi tinunureiwo kune zvakaipa.’ Nokuti umambo ndowenyu, nesimba nembiri, narini narini. Ameni. “Kana mukaregerera vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyu vokudenga vanokuregereraiwo zvikanganiso zvenyu. Kana musingaregereri vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyuwo havakuregererei zvikanganiso zvenyu. “Kana motsanya musasuruvarise uso sezvinoita vanyengedzi nokuti vanounyanisa kumeso kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri vatogamuchira mubayiro wavo. “Asi kana imi motsanya, zorai musoro mafuta, mushambe uso hwenyu; kuti kutsanya kwenyu kurege kuonekwa navanhu; asi kuti kuonekwe naBaba venyu vari muchivande. Ivo Baba venyu vanoona muchivande vachakupai mubayiro. “Regai kuzviunganidzira upfumi panyika. Pahunodyiwa nezvipfukuto nengura nehonye, panozopazwa nembavha dzichiba. Asi zviunganidzirei upfumi kudenga, kusina chipfukuto kana ngura inohudya, kusingapazwi nembavha dzichiba, nokuti pano upfumi hwako ndipo pano mwoyo wakowo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 6

Mateo 6:7-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Pakunyeŋgetera kwenyu, musapamhidza ɀisinamaturo saʋahedeni; nokuti iʋo ʋanofuŋga kuti ʋacanzwika nokutaura kwaʋo kuzhinji. Naiɀoɀo musafanana naʋo; nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa ɀamunoshaiwa, musati makumbira kwaʋari. Ɀino imi nyeŋgeterai kuɗai: Ƃaɓa ʋeɗu ʋari kuɗeŋga, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene. Ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe panyika seɀakunoitwa kuɗeŋga. Mutipei nhasi ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana. mutikaŋganwirei mhoȿa dzeɗu seɀatinokaŋganwira ʋo ʋanemhoȿa nesu. Regai kutiisa pakuidzwa, asi mutirwirei panowakaipa. [Nokuti ʋushe ndobgenyu, nesimba, nokubginya, nokusiŋgaperi. Ameni.] Nokuti kana mucikaŋganwira ʋanhu kuɗarika kwaʋo, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacakukaŋganwirai ʋo. Asi kana musiŋgakanwiri ʋanhu kuɗarika kwaʋo, Ƃaɓa ʋenyu haʋaŋgakukaŋganwiriyi ʋo kuɗarika kwenyu. Kana muciɀinyima ɀokudya, regai kuʋa neciso cinopunyaira, saʋanyeŋgeri; nokuti ʋanoipisa ɀiso ɀaʋo, ʋaʋonekwe naʋanhu kuti ʋanoɀinyima ɀokudya. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋapiwa muɓairo waʋo. Asi iwe, kana uciɀinyima ɀokudya, zodza musoro wako, ushambe ciso cako; kuti urege kuʋonekwa naʋanhu kuti unoɀinyima ɀokudya, asi naƂaɓa ʋako ʋari pakaʋanda; ɀino Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda, ʋacakupa muɓairo. Regai kuɀiʋuŋganidzira fuma panyika, paneɀipfunho neŋgura ɀinopedza, napanembava dzinopaza dziciɓa. Asi muɀiʋuŋganidzire fuma kuɗeŋga, pasineɀipfunho neŋgura ɀinopedza, pasinembava dzinopaza dziciɓa. Nokuti panefuma yako, nomŋoyo wako ucaʋa’po ʋo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 6

Mateo 6:7-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)