Mateo 6:5
Mateo 6:5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.
Mateo 6:5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzemigwagwa dzomusha, kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo.
Mateo 6:5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana mava kunamata regai kuita savanyengedzi. Vanoda kumira vachinamata mumasinagogu napamharadzano dzenzira vachiitira kuti vaonekwe navanhu. Chokwadi–chokwadi ndinoti kwamuri vakatowana mubayiro wavo kare.
Mateo 6:5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana mucinyeŋgetera, musaʋa saʋanyeŋgeri, nokuti ʋanofarira kunyeŋgetera ʋamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha, kuti ʋaʋonekwe naʋanhu. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ʋapiwa muɓairo waʋo.