Mateo 6:31-34
Mateo 6:31-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’ Izvi ndizvo zvinoitwa nevedzimwe ndudzi, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi. Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri. Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.
Mateo 6:31-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ Kana, ‘Tichanweyi?’ Kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose. Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri. Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo dzaro.
Mateo 6:31-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka musazvidye mwoyo muchiti tichadyei kana kuti tichanwei kana kuti tichapfekei. Nokuti vechirudzi vanotsvaka zvose izvi asi Baba venyu vokudenga vanoziva kuti zvose izvi munozvida. Imi, kutangira zvose tsvakai umambo hwake; noururami hwake, zvinhu zvose izvi zvichavawo zvenyu. “Nezvo musazvidye mwoyo nezvamangwana nokuti mangwana achazvionera oga, zuva roga roga rine nhamo dzaro dzakarikwanira.”
Mateo 6:31-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo musafuŋganya muciti: Ticadyei? Kana: Ticanwei? Kana: Ticafukeiko? Nokuti ʋahedeni ʋanotȿaka iɀoɀi ɀose, nokuti Ƃaba ʋenyu ʋokuɗeŋga ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi ɀose. Asi taŋgai kutȿaka ʋushe bgaMŋari, nokururama kwake; iɀoɀi ɀose ɀicawedzerwa kwamuri. Naiɀoɀo musafuŋganya pamsoro peɀamaŋgwana; nokuti maŋgwana acaɀifuŋganyira ɀawo; zuʋa rimŋe nerimŋe rinokwanirwa nenhamo yaro.
Mateo 6:31-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)