Mateo 6:22-23
Mateo 6:22-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza. Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii!
Mateo 6:22-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa. “Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava rima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!
Mateo 6:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ziso ndiro mwenje womuviri. Nezvo kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uchazara nechiedza. Asi kana ziso rako risina kunaka muviri wako wose uchazara nerima. Zvino kana chiedza chiri mamuri chava rima, rima racho richava rakakura sei!
Mateo 6:22-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋenje womuʋiri iziso; ɀino kana ziso rako rakanaka, muʋiri wako wose ucavenekerwa. Asi kana ziso rako rakaipa, muʋiri wako wose ucaʋa nerima. Ɀino kana ciedza ciri mauri riri rima, rima iro iguru sei!
Mateo 6:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)