Mateo 6:21-24
Mateo 6:21-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo. “Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza. Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii! “Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.
Mateo 6:21-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo. Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa. “Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava rima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei! “Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri; nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achafarira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungashandire Mwari nemari.
Mateo 6:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti pano upfumi hwako ndipo pano mwoyo wakowo. “Ziso ndiro mwenje womuviri. Nezvo kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uchazara nechiedza. Asi kana ziso rako risina kunaka muviri wako wose uchazara nerima. Zvino kana chiedza chiri mamuri chava rima, rima racho richava rakakura sei! “Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri, nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe, kana kuti anoti kwati kwati nomumwe achizvidza mumwe. Haugoni kuva muranda waMwari nomuranda wemari. “Vimba naMwari kuti anokupa zvinokuraramisa.
Mateo 6:21-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti panefuma yako, nomŋoyo wako ucaʋa’po ʋo. Mŋenje womuʋiri iziso; ɀino kana ziso rako rakanaka, muʋiri wako wose ucavenekerwa. Asi kana ziso rako rakaipa, muʋiri wako wose ucaʋa nerima. Ɀino kana ciedza ciri mauri riri rima, rima iro iguru sei! Hapano munhu uŋgaɓatira ʋatenzi ʋaʋiri; nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe. hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma.
Mateo 6:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)