Mateo 6:2-3 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 6:2-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi
Mateo 6:2-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo. Asi iwe, kana uchipa zvipo, ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako
Mateo 6:2-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino kana ucipa ʋarombo ɀipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, seɀinoita ʋanyeŋgeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha, kuti ʋakudzwe naʋanhu. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ʋapiwa muɓairo waʋo. Asi iwe, kana ucipa ɀipo, ruʋoko rwako rworuɓoshwe ŋgarurege kuziʋa cinoitwa norudyi rwako
Mateo 6:2-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nezvo kana mopa zvipo musaridze hwamanda sezvinoita vanyengedzi mumasinagogu; nomumigwagwa kuti varumbidzwe navanhu. Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, vakatowana mubayiro wavo kare. Asi kana mopa zvipo, ruoko rwenyu rworuboshe ngarurege kuziva zviri kuitwa norudyi kuti kupa kwenyu zvipo kuve kwomuchivande
Mateo 6:2-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)