Mateo 6:17-18
Mateo 6:17-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu, kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro.
Mateo 6:17-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi iwe, kana uchizvinyima zvokudya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako; kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi kuonekwa naBaba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro.
Mateo 6:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi kana imi motsanya, zorai musoro mafuta, mushambe uso hwenyu; kuti kutsanya kwenyu kurege kuonekwa navanhu; asi kuti kuonekwe naBaba venyu vari muchivande. Ivo Baba venyu vanoona muchivande vachakupai mubayiro.
Mateo 6:17-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi iwe, kana uciɀinyima ɀokudya, zodza musoro wako, ushambe ciso cako; kuti urege kuʋonekwa naʋanhu kuti unoɀinyima ɀokudya, asi naƂaɓa ʋako ʋari pakaʋanda; ɀino Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda, ʋacakupa muɓairo.
Mateo 6:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)