Mateo 5:9-12
Mateo 5:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari. Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.
Mateo 5:9-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti vachanzi vana vaMwari. “Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama; nokuti ushe hwedenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu. Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.
Mateo 5:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakakomborerwa zvavo vawadzanisi nokuti vachanzi vana vaMwari. Vakakomborerwa zvavo vanotambudzirwa ururami nokuti umambo hwedenga ndohwavo. Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema pamusana pangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita vaporofita vakakutangirai.
Mateo 5:9-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaropafadzwa ʋanoyananisa; nokuti ʋacanzi ʋana ʋaMŋari. Ʋakaropafadzwa ʋanotambudzwa nokuɗa kwokururama; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋo. Makaropafadzwa imi, kana ʋacikuɀidzai, ʋacikutambudzai, ʋacikupomerai ɀakaipa ɀose nenhema, nokuɗa kwaŋgu. Farai, mufarise kwaɀo; nokuti muɓairo wenyu mukuru kuɗeŋga; nokuti ʋakatambudza saiɀoɀo ʋaprofita ʋakakutaŋgirai.
Mateo 5:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)