Mateo 5:38-45 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 5:38-45 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso, uye zino rinotsiviwa nezino.’ Asi ndinokuudzai kuti, Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo. Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako. Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri. Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’ Asi ini ndinokuudzai kuti, Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai, kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama.
Mateo 5:38-45 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsihwa neziso, zino nezino.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musadzivisa akaipa, asi anokurova padama rorudyi, umurinzire rimwewo.’ Kana munhu achida kukukwirira, kuti akutorere nguo yako yomukati, umutendere nenguo yokunzewo. Ani naani anokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri. “Anokumbira kwauri mupe, usafuratira anoda kukwereta kwauri. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, venga muvengi wako.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Ida vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai; kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira zuva ravo vakanaka nevakaipa vanonisira mvura vakarurama navasakarurama.’
Mateo 5:38-45 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Makanzwa kuti ɀakanzi: Ziso rinotsibga neziso, zino nezino. Asi ini ndinoti kwamuri: Musadziʋisa wakaipa, asi unokuroʋa paɗama rorudyi, umurinzire rimŋe ʋo. Kana munhu aciɗa kukukwirira, kuti akutorere ŋguʋo yako yomukati, umutendere neŋguʋo yokunze ʋo. Aninani unokumanikidza kuenda maira imŋe, uende naye mbiri. Unokumbira kwauri umupe, usafuratira unoɗa kukwereta kwauri. Makanzwa kuti ɀakanzi: Uɗe wokwako, uʋeŋge muʋeŋgi wako. Asi ini ndinoti kwamuri: Iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, munyeŋgeterere ʋanokutambudzai; kuti muʋe ʋanakomana ʋaƋaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga; nokuti ʋanoɓuɗisira ʋakaipa naʋakanaka zuʋa raʋo, nemvura ʋanoinisira ʋakarurama naʋasakarurama.
Mateo 5:38-45 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Makanzwa kuti zvakanzi ziso rinofanira kutsiviwa neziso zino richitsiviwa nezino. Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Usadzivise wakaipa.’ Kana munhu akakurova mbama padama rorudyi mutendeudzire rimwezve. Kana munhu achida kukukwirira dare achida kukutorera bhatye rako ibva wamupa nejasi rako. Kana munhu akakumanikidza kuti umuperekedze kiromita imwechete, muperekedze kwamakiromita maviri. Munhu anokukumbira, mupe. Usanyime uyo anoda kukukwereta. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida mumwe wako uvenge muvengi wako.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga,’ nokuti ivo vanobudisira zuva ravo vakaipa navakanaka; uye vanonaisira mvura yavo vakarurama navasina kururama.
Mateo 5:38-45 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)