Mateo 5:33-37
Mateo 5:33-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Makanzwa zvakare zvichitaurwa kuvanhu vekare kare zvichinzi, ‘Usatyora mhiko dzako, asi zadzisa mhiko dzose dzaunenge waita kuna Ishe.’ Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo; kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru. Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema. Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa.
Mateo 5:33-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Makanzwawo kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musatongopika, kana nokudenga, nokuti ndicho chigaro choushe chaMwari; kana nenyika, nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusaremu, nokuti ndiro guta raMambo mukuru. Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.’ Asi shoko renyu rizoti, ‘Hongu,’ ave ‘hongu;’ ‘Kwete,’ ave ‘kwete;’ zvinopfuura izvozvo zvinobva kumuipi.
Mateo 5:33-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Makanzwawo kuti zvakanzi kuvanhu vakare musapike nhema asi kuti munotofanira kuita zvamakapika kuna Tenzi. Asi ini ndinoti kwamuri usambopika zvako naTenzi kana nedenga nokuti chigaro choumambo chaMwari; kana kupika nenyika nokuti chitambarariko chetsoka dzake; kana kupika neJerusaremu nokuti iguta ramambo mukuru. Usapike nomusoro wako nokuti haugoni kusandura ruvhudzi rwako kuti ruve ruchena kana rutema. Regai hongu wenyu angova hongu nakwete wenyu angova kwete; zvimwe zvose zvinopfuura ipapa zvinobva kuna wakaipa uya.
Mateo 5:33-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Makanzwa ʋo kuti ɀakanzi kunaʋekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo. Asi ini ndinoti kwamuri: Musatoŋgopika, kana nokuɗeŋga, nokuti ndico cigaro coʋushe caMŋari; kana nenyika, nokuti ndico citsiko cetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti ndiro guta raMambo mukuru. Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvudzi rumŋe kuti ruʋe rucena kana rutema. Asi shoko renyu riʋe: Hoŋo, hoŋo; kwete, kwete; ɀinopfuʋura iɀoɀo ɀinobva kunowakaipa.
Mateo 5:33-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)