Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 5:30 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 5:30 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 BDSC

Mateo 5:30 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Kana ruoko rwako rworudyi ruchikugumbusa, urugure ururasire kure kwauri, nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.’

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 SNA2002

Mateo 5:30 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Kana ruʋoko rwako rworudyi rucikugumbusa, urugure, ururashire kure kwauri, nokuti ɀirinani kwauri kuti mutezo wako mumŋe ufe, muʋiri wako wose urege kukandirwa muGehena.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 SUB1949

Mateo 5:30 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kana ruoko rwako rworudyi ruchikukonzera kutadza rudimbure urwukande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe yenhengo dzako panze pokuti muviri wako wose uende kugomba remoto.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 SCLB

Mateo 5:30 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Kana ruoko rwako rworudyi ruchikukonzera kutadza rudimbure urwukande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe yenhengo dzako panze pokuti muviri wako wose uende kugomba remoto.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 SCLBD