Mateo 5:25
Mateo 5:25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 5Mateo 5:25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako, uchiri munzira naye; kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukaiswa mujeri.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 5Mateo 5:25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Wadzana nomunhu ari kukukwirira dare nokuchimbidza muchiri munzira yokuenda kudare angadaro uyo ari kukukwirira dare akakuisa kumutongi mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, uye uchizoiswa mujeri.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 5