Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 5:23-25 - Compare All Versions

Mateo 5:23-25 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Naizvozvo kana wada kupa chipo chako paaritari, ukayeuka pakarepo kuti wakatadzira hama yako, siya chipo chako ipapo pamberi pearitari. Tanga waenda undoyanana nehama yako, wozouya wopa chipo chako. “Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 BDSC

Mateo 5:23-25 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Naizvozvo kana iwe uchiuya nechipo chako paaritari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, usiye chipo chako ipapo pamberi pearitari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozouya woisa chipo chako. “Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako, uchiri munzira naye; kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukaiswa mujeri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 SNA2002

Mateo 5:23-25 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ipapo kana uchindopira chipo chako paatari, ipapo ukafunga kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari uende utange wayanana nehama yako. Wozouya zvako opira chipo chako. “Wadzana nomunhu ari kukukwirira dare nokuchimbidza muchiri munzira yokuenda kudare angadaro uyo ari kukukwirira dare akakuisa kumutongi mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, uye uchizoiswa mujeri.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 SCLBD

Mateo 5:23-25 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Naiɀoɀo kana iwe uciʋuya necipo cako paartari, ukaraŋgarira ipapo kuti hama yako inemhoȿa newe, usiye cipo cako ipapo pamberi peartari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozoʋuya woisa cipo cako. Kurumidza kutenderana nomudziʋisi wako, uciri munzira naye; kuti mudziʋisi arege kukukwirira kumutoŋgi, mutoŋgi kumutariri, ukasuŋgwa mutoroŋgo.

Pakurirana nevamwe
Mateo 5 SUB1949

Mateo 5:23-25 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mateo 5 SCLB