Mateo 5:21-22
Mateo 5:21-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’ Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena.
Mateo 5:21-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Makanzwa kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usauraya; ani naani anouraya achapara mhosva ingatongwa;’ asi ini ndinoti kwamuri, ‘Anotsamwira hama yake achapara mhosva ingatongwa;’ anoti kuhama yake, ‘Raka’ achapara mhosva kumakurukota; anoti, ‘Benzi,’ achapara mhosva kuti atongwerwe Gehena romoto.
Mateo 5:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Makanzwa kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usauraye. “ ‘Ani naani anouraya achatongwa.’ Asi ini ndinoti kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare. Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba romoto.
Mateo 5:21-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Makanzwa kuti ɀakanzi kunaʋekare: Usaʋuraya; aninani unoʋuraya ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa; asi ini ndinoti kwamuri: Unotsamŋira hama yake, ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa; unoti kuhama yake: Raka, ucapara mhoȿa pamakurukota; unoti: Ƃenzi, ucapara mhoȿa kuti atoŋgerwe Gehena romŋoto.
Mateo 5:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)