Mateo 5:13-20
Mateo 5:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu. “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki. Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba. Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga. “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa. Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa. Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga. Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.
Mateo 5:13-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu washapa, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe navanhu. “Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki. Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko, uvhenekere vose vari mumba. Naizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze baba venyu vari kudenga. “Musafunga kuti ndakauya kuparadza murayiro kana vaporofita, handina kuuya kuzoparadza, asi kuzadzisa. “Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yomurayiro hazvingatongopfuuri, zvisati zvaitika zvose. “Naizvozvo ani naani anotyora mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, achanzi muduku muushe hwedenga; asi anoiita, akaidzidzisa, achanzi mukuru muushe hwedenga. “Nokuti ndinoti kwamuri, ‘Kana kururama kwenyu kusingapfuuri kwavanyori nokwavaFarisi, hamungatongopindi muushe hwedenga.’
Mateo 5:13-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Imi muri munyu wapasi. Zvino kana munyu usisavavi unozovaviswa nei? Unenge usisina basa unofanira kutongoraswa zvawo uchitsikwa zvawo navanhu. “Imi muri chiedza chapasi. Guta rakavakirwa pagomo harivanziki. Vanhu havatungidzi mwenje vachiukwidibira nedengu asi kuti vanotouisa pachigadzikiro chomwenje uchivhenekera vose vari mumbamo. Saizvozvowo, chiedza chenyu ngachivhenekere vanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka varumbidze Baba venyu vari kudenga. “Regai kumbofunga zvenyu kuti ndakauya kuzoparadza mutemo kana vaporofita. Handina kuuya kuzozviparadza, asi kuzozvizadzisa. Nokuti ndinokutaurirai zvechokwadi chaizvo kuti denga napasi zvingapfuure zvazvo asi hapana kana kabhii kana kaga zvako komutemo kachabviswa mumutemo kusvikira zvose zvaitika. Nezvo ani naani anotyora mumwe wemitemo iyi achidzidzisa vanhu kudaro achanzi mudiki muumambo hwedenga. Asi uyo anoichengeta achiidzidzisa achanzi mukuru muumambo hwedenga. “Nokuti ndinokutaurirai kuti kana ururami hwenyu hukasadarika ururami hwenyanzvi dzomutemo navaFarisei hamumbopinda muumambo hwedenga.
Mateo 5:13-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu waɗuruŋgunda, ucaruŋgwa neiko? Haucaɓatsiri cinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe naʋanhu. Imi muri ciedza cenyika. Guta rakaʋakwa pagomo hariŋgaʋanziki. Nomŋenje haʋaŋgautuŋgidzi, ʋakauisa pasi peɗeŋgu, asi pacigadziko, uvenekere ʋose ʋari mumba. Saiɀoɀo ciedza cenyu ŋgacivenekere pamberi paʋanhu, kuti ʋaʋone maɓasa enyu akanaka, ʋakudze Ƃaba ʋenyu ʋari kuɗeŋga. Musafuŋga kuti ndakaʋuya kuparadza murairo kana ʋaprofita: Handina‐kuʋuya kuparadza, asi kuzadzisa. Nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuȿikira ɗeŋga napasi ɀicipfuʋura, yota imŋe kana tsaŋga imŋe yomurairo haɀiŋgatoŋgopfuʋuri, ɀisati ɀaitika ɀose. Naiɀoɀo aninani unoputsa mumŋe wemirairo miɗuku iyi, akadzidzisa ʋanhu kuita saiɀoɀo, ucanzi muɗuku muʋushe bgokuɗeŋga; asi unoiita, akaidzidzisa, ucanzi mukuru muʋushe bgokuɗeŋga. Nokuti ndinoti kwamuri: Kana kururama kwenyu kusiŋgapfuʋuri kwaʋanyori nokwaʋaFarise, hamuŋgatoŋgopindi muʋushe bgokuɗeŋga.
Mateo 5:13-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)