Mateo 5:10-11
Mateo 5:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 5Mateo 5:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama; nokuti ushe hwedenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 5Mateo 5:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakakomborerwa zvavo vanotambudzirwa ururami nokuti umambo hwedenga ndohwavo. Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema pamusana pangu.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 5