Mateo 5:1-3
Mateo 5:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari, uye akatanga kuvadzidzisa achiti: “Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
Mateo 5:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati achiona vanhu vazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, vadzidzi vake vakaswedera kwaari. Akashama muromo wake, akavadzidzisa, achiti, “Vakaropafadzwa varombo mumweya; nokuti ushe hwedenga ndohwavo.
Mateo 5:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati achiona gurusvusvu riya ravanhu akakwira mugomo. Paakagara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari. Akazarura muromo wake akavadzidzisa achiti: “Vakakomborerwa zvavo varombo mumweya nokuti umambo hwedenga ndohwavo.
Mateo 5:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, ʋadzidzi ʋake ʋakasweɗera kwaari. Akashamisa muromo wake, akaʋadzidzisa, aciti: Ʋakaropafadzwa ʋarombo pamŋeya; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋo.
Mateo 5:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)