Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 5:1-26

Mateo 5:1-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari, uye akatanga kuvadzidzisa achiti: “Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa. Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika. Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo. Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi. Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari. Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari. Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai. “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu. “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki. Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba. Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga. “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa. Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa. Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga. Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga. “Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’ Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena. “Naizvozvo kana wada kupa chipo chako paaritari, ukayeuka pakarepo kuti wakatadzira hama yako, siya chipo chako ipapo pamberi pearitari. Tanga waenda undoyanana nehama yako, wozouya wopa chipo chako. “Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo. Ndinokuudzai chokwadi kuti haungabudimo kusvikira waripa kamari kokupedzisira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 5

Mateo 5:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akati achiona vanhu vazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, vadzidzi vake vakaswedera kwaari. Akashama muromo wake, akavadzidzisa, achiti, “Vakaropafadzwa varombo mumweya; nokuti ushe hwedenga ndohwavo. “Vakaropafadzwa vanochema; nokuti vachanyaradzwa. “Vakaropafadzwa vakapfava; nokuti vachagara nhaka yenyika. “Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yoururami; nokuti vachagutiswa. “Vakaropafadzwa vane ngoni; nokuti vachaitirwa ngoni. “Vakaropafadzwa vane mwoyo yakachena; nokuti vachaona Mwari. “Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti vachanzi vana vaMwari. “Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama; nokuti ushe hwedenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu. Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai. “Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu washapa, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe navanhu. “Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki. Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko, uvhenekere vose vari mumba. Naizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze baba venyu vari kudenga. “Musafunga kuti ndakauya kuparadza murayiro kana vaporofita, handina kuuya kuzoparadza, asi kuzadzisa. “Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yomurayiro hazvingatongopfuuri, zvisati zvaitika zvose. “Naizvozvo ani naani anotyora mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, achanzi muduku muushe hwedenga; asi anoiita, akaidzidzisa, achanzi mukuru muushe hwedenga. “Nokuti ndinoti kwamuri, ‘Kana kururama kwenyu kusingapfuuri kwavanyori nokwavaFarisi, hamungatongopindi muushe hwedenga.’ “Makanzwa kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usauraya; ani naani anouraya achapara mhosva ingatongwa;’ asi ini ndinoti kwamuri, ‘Anotsamwira hama yake achapara mhosva ingatongwa;’ anoti kuhama yake, ‘Raka’ achapara mhosva kumakurukota; anoti, ‘Benzi,’ achapara mhosva kuti atongwerwe Gehena romoto. “Naizvozvo kana iwe uchiuya nechipo chako paaritari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, usiye chipo chako ipapo pamberi pearitari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozouya woisa chipo chako. “Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako, uchiri munzira naye; kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukaiswa mujeri. “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 5

Mateo 5:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu akati achiona gurusvusvu riya ravanhu akakwira mugomo. Paakagara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari. Akazarura muromo wake akavadzidzisa achiti: “Vakakomborerwa zvavo varombo mumweya nokuti umambo hwedenga ndohwavo. Vakakomborerwa zvavo vanochema nokuti vachanyaradzwa vakakomborerwa zvavo vakapfava nokuti vachawana nhaka yenyika. Vakakomborerwa zvavo vane nzara nenyota yoururami nokuti vachagutswa. Vakakomborerwa zvavo vane tsitsi nokuti vachaitirwawo tsitsi. Vakakomborerwa zvavo vakachena pamwoyo nokuti vachaona Mwari. Vakakomborerwa zvavo vawadzanisi nokuti vachanzi vana vaMwari. Vakakomborerwa zvavo vanotambudzirwa ururami nokuti umambo hwedenga ndohwavo. Makakomborerwa zvenyu imi kana vanhu vachikushorai nokukutambudzai vachikupomerai zvakaipa zvose zvenhema pamusana pangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Nokuti ndiko kutambudza kwavakaita vaporofita vakakutangirai. “Imi muri munyu wapasi. Zvino kana munyu usisavavi unozovaviswa nei? Unenge usisina basa unofanira kutongoraswa zvawo uchitsikwa zvawo navanhu. “Imi muri chiedza chapasi. Guta rakavakirwa pagomo harivanziki. Vanhu havatungidzi mwenje vachiukwidibira nedengu asi kuti vanotouisa pachigadzikiro chomwenje uchivhenekera vose vari mumbamo. Saizvozvowo, chiedza chenyu ngachivhenekere vanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka varumbidze Baba venyu vari kudenga. “Regai kumbofunga zvenyu kuti ndakauya kuzoparadza mutemo kana vaporofita. Handina kuuya kuzozviparadza, asi kuzozvizadzisa. Nokuti ndinokutaurirai zvechokwadi chaizvo kuti denga napasi zvingapfuure zvazvo asi hapana kana kabhii kana kaga zvako komutemo kachabviswa mumutemo kusvikira zvose zvaitika. Nezvo ani naani anotyora mumwe wemitemo iyi achidzidzisa vanhu kudaro achanzi mudiki muumambo hwedenga. Asi uyo anoichengeta achiidzidzisa achanzi mukuru muumambo hwedenga. “Nokuti ndinokutaurirai kuti kana ururami hwenyu hukasadarika ururami hwenyanzvi dzomutemo navaFarisei hamumbopinda muumambo hwedenga. “Makanzwa kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usauraye. “ ‘Ani naani anouraya achatongwa.’ Asi ini ndinoti kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare. Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba romoto. Ipapo kana uchindopira chipo chako paatari, ipapo ukafunga kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari uende utange wayanana nehama yako. Wozouya zvako opira chipo chako. “Wadzana nomunhu ari kukukwirira dare nokuchimbidza muchiri munzira yokuenda kudare angadaro uyo ari kukukwirira dare akakuisa kumutongi mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, uye uchizoiswa mujeri. Zvechokwadi ndinokutaurira kuti haumbomubuda kusvikira waripa sendi rokupedzisira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 5

Mateo 5:1-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji, akakwira mugomo; akagara pasi, ʋadzidzi ʋake ʋakasweɗera kwaari. Akashamisa muromo wake, akaʋadzidzisa, aciti: Ʋakaropafadzwa ʋarombo pamŋeya; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋo. Ʋakaropafadzwa ʋanocema; nokuti ʋacanyaradzwa. Ʋakaropafadzwa ʋanyoro; nokuti ʋacagara nhaka yenyika. Ʋakaropafadzwa ʋanenzara nenyota yokururama; nokuti ʋacagutiswa kwaɀo. Ʋakaropafadzwa ʋaneŋgoni; nokuti ʋacaitirwa ŋgoni. Ʋakaropafadzwa ʋakacena pamŋoyo; nokuti ʋacaʋona Mŋari. Ʋakaropafadzwa ʋanoyananisa; nokuti ʋacanzi ʋana ʋaMŋari. Ʋakaropafadzwa ʋanotambudzwa nokuɗa kwokururama; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋo. Makaropafadzwa imi, kana ʋacikuɀidzai, ʋacikutambudzai, ʋacikupomerai ɀakaipa ɀose nenhema, nokuɗa kwaŋgu. Farai, mufarise kwaɀo; nokuti muɓairo wenyu mukuru kuɗeŋga; nokuti ʋakatambudza saiɀoɀo ʋaprofita ʋakakutaŋgirai. Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu waɗuruŋgunda, ucaruŋgwa neiko? Haucaɓatsiri cinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe naʋanhu. Imi muri ciedza cenyika. Guta rakaʋakwa pagomo hariŋgaʋanziki. Nomŋenje haʋaŋgautuŋgidzi, ʋakauisa pasi peɗeŋgu, asi pacigadziko, uvenekere ʋose ʋari mumba. Saiɀoɀo ciedza cenyu ŋgacivenekere pamberi paʋanhu, kuti ʋaʋone maɓasa enyu akanaka, ʋakudze Ƃaba ʋenyu ʋari kuɗeŋga. Musafuŋga kuti ndakaʋuya kuparadza murairo kana ʋaprofita: Handina‐kuʋuya kuparadza, asi kuzadzisa. Nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuȿikira ɗeŋga napasi ɀicipfuʋura, yota imŋe kana tsaŋga imŋe yomurairo haɀiŋgatoŋgopfuʋuri, ɀisati ɀaitika ɀose. Naiɀoɀo aninani unoputsa mumŋe wemirairo miɗuku iyi, akadzidzisa ʋanhu kuita saiɀoɀo, ucanzi muɗuku muʋushe bgokuɗeŋga; asi unoiita, akaidzidzisa, ucanzi mukuru muʋushe bgokuɗeŋga. Nokuti ndinoti kwamuri: Kana kururama kwenyu kusiŋgapfuʋuri kwaʋanyori nokwaʋaFarise, hamuŋgatoŋgopindi muʋushe bgokuɗeŋga. Makanzwa kuti ɀakanzi kunaʋekare: Usaʋuraya; aninani unoʋuraya ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa; asi ini ndinoti kwamuri: Unotsamŋira hama yake, ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa; unoti kuhama yake: Raka, ucapara mhoȿa pamakurukota; unoti: Ƃenzi, ucapara mhoȿa kuti atoŋgerwe Gehena romŋoto. Naiɀoɀo kana iwe uciʋuya necipo cako paartari, ukaraŋgarira ipapo kuti hama yako inemhoȿa newe, usiye cipo cako ipapo pamberi peartari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozoʋuya woisa cipo cako. Kurumidza kutenderana nomudziʋisi wako, uciri munzira naye; kuti mudziʋisi arege kukukwirira kumutoŋgi, mutoŋgi kumutariri, ukasuŋgwa mutoroŋgo. Ɀirokwaɀo ndinoti kwauri, hauŋgatoŋgoɓuɗi’mo, usati waripa kamari kwokupedzisira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 5

Mateo 5:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)