Mateo 4:6 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 4:6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Acharayira vatumwa vake pamusoro pako uye vachakusimudza namaoko avo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.”
Mateo 4:6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Pamaoko avo vachakusimudza, Kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.’ ”
Mateo 4:6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kucinzi: Iye ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, Pamaʋoko avo ʋacakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge.
Mateo 4:6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana uri Mwanakomana waMwari zviwisire pasi nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete, vachakugama mumaoko avo kuti urege kugumburwa rutsoka rwako nebwe.’ ”
Mateo 4:6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
“Kana uri Mwanakomana waMwari zviwisire pasi nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete, vachakugama mumaoko avo kuti urege kugumburwa rutsoka rwako nebwe.’ ”