Mateo 4:5-7
Mateo 4:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Acharayira vatumwa vake pamusoro pako uye vachakusimudza namaoko avo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.” Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”
Mateo 4:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Dhiabhori akaenda naye kuguta dzvene, akamumisa pachiruvi chetemberi, akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Pamaoko avo vachakusimudza, Kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.’ ” Jesu akati kwaari, “Kwakanyorwawo, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ”
Mateo 4:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhiabhori akamutora akaenda naye kuguta dzvene pamusorosoro chaipo peTemberi akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari zviwisire pasi nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete, vachakugama mumaoko avo kuti urege kugumburwa rutsoka rwako nebwe.’ ” Jesu akati kwaari, “Zvakanyorwazve kuti, ‘Usaedze Tenzi Mwari wako.’ ”
Mateo 4:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Diaborosi akamuisa muguta dɀene, akamumisa paciruʋu cetembere, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kucinzi: Iye ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, Pamaʋoko avo ʋacakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge. Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa ʋo: Usaidza Ishe, Mŋari wako.
Mateo 4:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)