Svetukira kuzviri mukati

Mateo 4:14-16 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 4:14-16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti: “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani, Garirea reveDzimwe Ndudzi, vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru; kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chavhenekera.”

Mateo 4 BDSC

Mateo 4:14-16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Nyika yeZabhuroni, nenyika yeNafitari, Panzira yegungwa, mhiri kwaJorodhani, Gariria ravahedheni; Vanhu vakanga vagere murima Vakaona chiedza chikuru; Navakanga vagere panyika yorufu nomumumvuri worufu, Chiedza chakavabudira.”

Mateo 4 SNA2002

Mateo 4:14-16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Nyika yeZaburoni, nenyika yeNeftarimi, Panzira yeguŋgwa, mhiri kwaJoridani, Garirea raʋahedeni; Ʋanhu ʋakaŋga ʋagere murima Ʋakaʋona ciedza cikuru; Naʋakaŋga ʋagere panyika yorufu nomumumvuri worufu, Ciedza cakaʋaɓuɗira.

Mateo 4 SUB1949

Mateo 4:14-16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

kuti zviya zvakanga zvataurwa nomuporofita Isaya zvizadzikiswe zvokuti, “Iwe nyika yeZabhuroni newe nenyika yeNafutari iri pedyo negungwa mhiri kwaJorodhani, Garirea yevechirudzi, vanhu vakanga vagere murima vakaona chiedza chikuru navavo vakanga vagere munyika nomumumvuri worufu chiedza chakavabudira.”

Mateo 4 SCLB

Mateo 4:14-16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mateo 4 SCLBD