Mateo 3:7 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 3:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?
Mateo 3:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi akati achiona vazhinji vavaFarisi navaSadhusi vachiuya kuzobhabhatidzwa, akati kwavari, “Vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya?
Mateo 3:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi wakati aciʋona ʋazhinji ʋaʋaFarise naʋaSaduse ʋaciʋuya kuzobapatidzwa, akati kwaʋari: Ʋana ʋenyoka, ndianiko wakakunyeʋerai kuti mutize kutsamŋa kunoʋuya?
Mateo 3:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaona vaFarisei vazhinji navaSadhusei vachiuya kuzoombekwa akati kwavari, “Imi vana venyoka, ndiani akakunyeverai kuti mutize kurangwa kuri kuuya?
Mateo 3:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Paakaona vaFarisei vazhinji navaSadhusei vachiuya kuzoombekwa akati kwavari, “Imi vana venyoka, ndiani akakunyeverai kuti mutize kurangwa kuri kuuya?