Mateo 28:8-10
Mateo 28:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka vakadzi ava vakakurumidza kubva paguva vachitya asi vakazadzwa nomufaro, uye vakamhanya kundoudza vadzidzi vake. Pakarepo Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai.” Vakauya kwaari vakabata tsoka dzake uye vakamunamata. Ipapo Jesu akati kwavari, “Musatya. Endai mundoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea; ikoko ndiko kwavachanondiona.”
Mateo 28:8-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakakurumidza kubva pabwiro, vachitya nokufara zvikuru, vakamhanyira kundoudza vadzidzi vake. Zvino tarira, Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai!” Vakauya, vakabata tsoka dzake, vakamupfugamira. Zvino Jesu akati kwavari, “Musatya, endai mundoudza hama dzangu, kuti vaende Gariria, vagondionako.”
Mateo 28:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokudaro vakabva paguva nokukurumidza zvabatana nokutya nokufara kukuru. Vakamhanya kundoudza vadzidzi vake. Jesu akabva asangana navo akati, “Kwaziwai” ivo vakauya kwaari vakabata tsoka dzake vachimugwadamira. Jesu akati kwavari, “Musatye. Chiendai mundotaurira hama dzangu kuti dziende kuGarirea. Ndiko kwavachandiona ikoko.”
Mateo 28:8-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakakurumidza kubva pabgiro, ʋacitya nokufara ɀikuru, ʋakamhanyira kundoʋudza ʋadzidzi ʋake. Ɀino tarira, Jesu wakasoŋgana naʋo, akati: Kwaziwai! Ʋakaʋuya, ʋakaɓata tsoka dzake, ʋakamunamata. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Musatya, endai mundoʋudza hama dzaŋgu, kuti ʋaende Garirea, ʋagondiʋona’ko.
Mateo 28:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)