Mateo 28:3-4 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 28:3-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni uye nguo dzake dzakanga dzakachena sechando. Varindi vakamutya kwazvo zvokuti vakadedera vakaita savanhu vafa.
Mateo 28:3-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni, nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando. Zvino vanyakugaririra vakadedera vachimutya, vakaita savakafa.
Mateo 28:3-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Kuʋonekwa kwake kwakaŋga kwakaita semheni, neɀokufuka ɀake ɀaiʋa ɀicena secando. Ɀino ʋarindi ʋakaɗeɗera ʋacimutya, ʋakaita saʋakafa.
Mateo 28:3-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aitarisika semheni, hanzu dzake dzakachena kuti mbuu samazaya echando. Mapurisa aya akadedera nokumutya vakati papata sokunge vafa.
Mateo 28:3-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Aitarisika semheni, hanzu dzake dzakachena kuti mbuu samazaya echando. Mapurisa aya akadedera nokumutya vakati papata sokunge vafa.