Mateo 28:2-3
Mateo 28:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro. Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni uye nguo dzake dzakanga dzakachena sechando.
Mateo 28:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumwa waIshe akaburuka kudenga, akauya, akakungurusa ibwe, ndokugara pamusoro paro. Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni, nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando.
Mateo 28:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro. Aitarisika semheni, hanzu dzake dzakachena kuti mbuu samazaya echando.
Mateo 28:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kukaʋa’po kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumŋa waShe wakaɓuruka kuɗeŋga, akaʋuya, akakuŋgurusa ibge, ndokugara pamsoro paro. Kuʋonekwa kwake kwakaŋga kwakaita semheni, neɀokufuka ɀake ɀaiʋa ɀicena secando.
Mateo 28:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)