Mateo 28:2 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 28:2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro.
Pakurirana nevamwe
Mateo 28 BDSCMateo 28:2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumwa waIshe akaburuka kudenga, akauya, akakungurusa ibwe, ndokugara pamusoro paro.
Pakurirana nevamwe
Mateo 28 SNA2002Mateo 28:2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino kukaʋa’po kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumŋa waShe wakaɓuruka kuɗeŋga, akaʋuya, akakuŋgurusa ibge, ndokugara pamsoro paro.
Pakurirana nevamwe
Mateo 28 SUB1949Mateo 28:2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro.
Pakurirana nevamwe
Mateo 28 SCLBMateo 28:2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro.
Pakurirana nevamwe
Mateo 28 SCLBD