Mateo 27:3-4 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 27:3-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Judhasi uya akanga amupandukira akati aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru. Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.”
Mateo 27:3-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Judhasi, uyo akamupandukira, akati achiona kuti atongerwa kufa, ndokuzvidya mwoyo, akadzosera mari iya makumi matatu esirivha kuvapristi vakuru navakuru vavanhu, achiti, “Ndatadza, ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakati, “Tine mhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.”
Mateo 27:3-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Judasi, uyo wakamupandukira, wakati aciʋona kuti watoŋgerwa kufa, ndokuɀidya mŋoyo, akadzosera masirveri aya anamakumi matatu kuʋaprista ʋakuru naʋakuru, aciti: Ndatadza, ndapandukira ropa risinemhoȿa. Ʋakati: Tinemhaka yeiko naɀo? Imhaka yako.
Mateo 27:3-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Judhasi, uya akamutengesa, paakaona kuti Jesu atongerwa rufu akatendeuka akadzorera mari iya yesirivha makumi matatu kuvapristi vakuru navakuru–vakuru achiti, “Ndakatadza nokutengesa kwandakaita ropa risina mhaka.” Ivo vakati, “Ko isu tinei nazvo. Ndezvako izvo.”
Mateo 27:3-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)