Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 27:1-31

Mateo 27:1-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mangwanani-ngwanani vaprista vose vakuru navakuru vavanhu vakabvumirana kuti Jesu aurayiwe. Vakamusunga, vakaenda naye vakandomuisa kuna Pirato uyo aiva mubati. Judhasi uya akanga amupandukira akati aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru. Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.” Saka Judhasi akakanda mari iya mutemberi akabva akaenda akandozvisungirira. Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.” Saka vakazotenderana kuti vaishandise kutenga munda womuumbi wehari kuti ugova nzvimbo yokuviga vatorwa. Naizvozvo wakanzi Munda Weropa kusvikira zuva ranhasi. Ipapo zvakabva zvazadziswa zvakataurwa nomuprofita Jeremia zvinoti, “Vakatora makumi matatu esirivha, mutengo waakatengeswa nawo navanhu veIsraeri, uye vakaashandisa kutenga nawo munda womuumbi wehari, sokurayirwa kwandakaitwa naIshe.” Panguva iyoyo Jesu akamira pamberi pomubati, uye mubati akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura achiti, “Hongu, ndizvo zvamataura.” Paakapomerwa navaprista vakuru navakuru vavanhu, haana chaakapindura. Ipapo Pirato akamubvunza achiti, “Iwe haunzwi here uchapupu hwezvavari kukupomera izvi?” Asi, Jesu akaramba anyerere, akasapindura kunyange chimwe zvacho, mubati akashamiswa kwazvo. Zvino yaiva tsika yomubati pamutambo kusunungura musungwa mumwe chete anenge asarudzwa navanhu vazhinji. Panguva iyoyo vaiva nomusungwa ainge anetsa kwazvo ainzi Bharabhasi. Saka vanhu vazhinji vakati vaungana, Pirato akavabvunza akati, “Ndoupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana kuti Jesu anonzi Kristu?” Nokuti aiziva kuti vakanga vamuisa kwaari nokuda kwegodo. Pirato akati agere pachigaro chokutonga mukadzi wake akamutumira shoko iri rokuti: “Usawana chaunoita nomurume uyo asina mhosva, nokuti hope dzandarota nezvake usiku hwanhasi dzanditambudza kwazvo.” Asi vaprista vakuru navakuru vavanhu vakakurudzira vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi uye kuti Jesu aurayiwe. Mubati akabvunza akati, “Ndoupi pavaviri ava wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Vakapindura vakati, “Bharabhasi!” Pirato akabvunza akati, “Zvino ndichaiteiko naJesu anonzi Kristu?” Vakapindura vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!” Pirato akabvunzazve achiti, “Nemhaka yei? Mhosva yake ndeyei?” Vanhu vazhinji vaya vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!” Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.” Ipapo akavasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe, uye akamupa kwavari kuti arovererwe pamuchinjikwa. Ipapo varwi vomubati vakatora Jesu vakaenda naye mumuzinda womubati uye vakaunganidza hondo yose paari. Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku. Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakamurova nayo mumusoro kakawanda. Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 27

Mateo 27:1-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ava mangwana, vapristi vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamusoro paJesu kuti vamuuraye; vakamusunga, vakaenda naye, vakamuisa kuna Pirato, aiva gavhuna. Zvino Judhasi, uyo akamupandukira, akati achiona kuti atongerwa kufa, ndokuzvidya mwoyo, akadzosera mari iya makumi matatu esirivha kuvapristi vakuru navakuru vavanhu, achiti, “Ndatadza, ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakati, “Tine mhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.” Akakandira pasi mari iya mutemberi; akabva, akaenda ndokuzvisungira. Vapristi vakuru vakatora mari yesirivha, vakati, “Hazvina kufanira kuti ichengetwe munovigwa mari, zvauri mutengo weropa.” Vakarangana, vakatenga nawo munda womuumbi wehari kuzovigapo vatorwa. Naizvozvo munda uyo wakanzi, “Munda weropa” kusvikira zuva ranhasi. Zvino zvakarehwa nomuporofita Jeremiya zvakaitika, zvinoti: “Vakatora mari yesirivha makumi matatu, Mutengo womunhu aitengeswa, Wakatarwa navana vaIsiraeri; Vakatenga nawo munda womuumbi wehari, Sezvandakarairwa naIshe.” Zvino Jesu akamira pamberi pagavhuna, gavhuna akamubvunza, akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvamataura.” Asi akati achipomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru, haana kupindura chinhu. Zvino Pirato akati kwaari, “Haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here?” Asi haana kuvapindura, kunyange neshoko rimwechete, gavhuna akashamiswa kwazvo-kwazvo nazvo. Zvino, pamutambo mubati aisisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe, wavanenge vaida. Nenguva iyo vaiva nomusungwa akakurumbira, ainzi Bharabhasi. Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi, kana Jesu, anonzi Kristu?” Nokuti akanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo. Zvino akati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira izwi kwaari, achiti, “Usava nemhaka nomunhu uyo akarurama; nokuti ndakatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.” Vapristi vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu aurawe. Gavhuna akapindura, akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri?” Vakati, “Bharabhasi.” Pirato akati kwavari, “Ndichagoiteiko naJesu, anonzi Kristu?” Vose vakati kwaari, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa.” Iye akati, “Chakaipa chaakagoita ndecheiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa!” Zvino Pirato, achiona kuti hazvibatsiri, asi kuti potomuka bope, akatora mvura, akageza maoko ake pamberi pavanhu vazhinji, achiti, “Handine mhaka neropa romunhu uyu akarurama; imhaka yenyu!” Vanhu vose vakapindura, vakati, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pavana vedu.” Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino varwi vaPirato vakaenda naJesu mumuzinda wagavhuna hondo yose ikaunganira kwaari. Vakamubvisa nguo dzake, vakamufukidza nguo tsvuku; vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsanga muruoko rwake rworudyi; vakapfugama pamberi pake, vakamuseka, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamupfira mate, vakatora rutsanga, vakaramba vachimurova musoro. Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, vakamupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 27

Mateo 27:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kuzoti kwaedza vapristi vakuru vose navakuru–vakuru vavanhu vakaita bangano rokuti vauraye Jesu. Vakamusunga ndokuenda naye vakandomuturira kuno mutongi Pirato. Judhasi, uya akamutengesa, paakaona kuti Jesu atongerwa rufu akatendeuka akadzorera mari iya yesirivha makumi matatu kuvapristi vakuru navakuru–vakuru achiti, “Ndakatadza nokutengesa kwandakaita ropa risina mhaka.” Ivo vakati, “Ko isu tinei nazvo. Ndezvako izvo.” Judhasi akakanda mari iya yesirivha muTemberi akabva aenda ondozvisungirira. Asi vapristi vakuru vakatora mari iya yesirivha vakati, “Hazvisi pamutemo kuti tiise mari iyi mudura remari yomuTemberi nokuti imari yeropa.” Saizvozvo vakarangana vakatenga nayo munda womuumbi wehari kuti vagosivigamo vatorwa. Naizvozvo munda iwoyo unonzi “Munda weropa.” Nanhasi uno. Ndipo pakazadzikiswa zvakataurwa nomuporofita Jeremiya achiti, “Vakatora mari yesirivha makumi matatu waiva mutengo wakatemwa navaIsiraeri wokumutenga nawo. Ndiyo mari yavakatenga nayo munda womuumbi wehari sokunditaurira kwakaita Tenzi.” Jesu akamira pamberi pomutongi. Mutongi akamubvunza kuti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati, “Inga matozvireva kare wani.” Asi paakapomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru–vakuru, haana kupindura. Ipapo Pirato akati kwaari, “Hausikunzwa here kuwanda kwezvinhu zvavari kukupomera?” Asi iye haana kumupindura kunyange mhosva imwechete zvayo zvokuti mutongi zvakamukatyamadza zvikuru. Zvino pamazuva makuru aya mutongi aiva netsika yokusunungurira vanhu musungwa mumwechete wavainge vada. Ipapo vakanga vaino musungwa aive nomukurumbira ainzi Bharabhasi. Saizvozvo vanhu pavakanga vaungana, Pirato akati kwavari, “Ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei, Bharabhasi here kana kuti Jesu anonzi Kristu?” Akadaro nokuti aiziva kuti vakanga vaturira Jesu kwaari pamusana peshanje. Chimwezve ndechokuti paakanga agere pachigaro chokutonga, mudzimai wake akatumira shoko kwaari achiti, “Siyanai nomunhu uyo wakarurama nokuti nhasi ndatambudzika naye zvikuru kuhope.” Vapristi vakuru navakuru–vakuru vakagombedzera vanhu kuti vakumbire Bharabhasi asi Jesu aparadzwe. Mutongi akatizve kwavari, “Pavaviri ava ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Ivo vakati, “Bharabhasi.” Pirato akati kwavari, “Ko ndoitei naJesu anonzi Kristu?” Vose vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati, “Nemhaka yei? Akapara mhosva yei? Akatadzei?” Asi vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato paakaona kuti hapana zvazviri kubatsira asi kuti pavakutomuka bongozozo, akatora mvura akageza maoko ake pamberi pemhomho iyoyo achiti, “Handina mhosva paropa romunhu uyu. Chizvionerai moga iyemi.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngaritipfukire isu navana vedu.” Akavasunungurira Bharabhasi. Asi ndokurova Jesu zvikuru akamuturira mumaoko avo kuti vamuroverere pamuchinjikwa. Masoja aPirato akaenda naJesu mumuzinda waGavhuna. Boka rose ramasoja rakamuunganira. Vakamupfekenura hanzu vakamupfekedza gemenzi dzvuku. Vakaruka chiremba cheminzwa vakachidzika mumusoro make. Vakamubatisa rutsanga murudyi rwake. Vaipfugama pamberi pake vachimusveeredza vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!” Vakamupfira mate vakatora rutsanga ruya vachimurova narwo mumusoro. Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa gemenzi riya vakamupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 27

Mateo 27:1-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Aʋa maŋgwana, ʋaprista ʋakuru ʋose naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaraŋgana pamsoro paJesu kuti ʋamuʋuraye; ʋakamusuŋga, ʋakaenda naye, ʋakamuisa kunaPirato, muɓati. Ɀino Judasi, uyo wakamupandukira, wakati aciʋona kuti watoŋgerwa kufa, ndokuɀidya mŋoyo, akadzosera masirveri aya anamakumi matatu kuʋaprista ʋakuru naʋakuru, aciti: Ndatadza, ndapandukira ropa risinemhoȿa. Ʋakati: Tinemhaka yeiko naɀo? Imhaka yako. Akakandira pasi masirveri mutembere; akabva, akaenda ndokuɀisuŋgirira. Ʋaprista ʋakuru ʋakatora masirveri, ʋakati: Haɀina‐kufanira kuti tiaise muciʋigiro cemari, ɀauri muteŋgo weropa. Ʋakaraŋgana, ʋakateŋga nawo munda womuʋumbi wehari, kuzoʋiga’po ʋatorwa. Naiɀoɀo munda uyo wakanzi munda weropa kuȿikira zuʋa ranhasi. Ɀino ɀakarebga nomuprofita Jeremia ɀakaitika, ɀinoti: Ʋakatora masirveri anamakumi matatu, Muteŋgo waiye wakatarirwa muteŋgo, Uyo wakatarwa naʋana ʋaIsraeri; Ʋakateŋga nawo munda womuʋumbi wehari, Seɀandakarairwa naShe. Ɀino Jesu wakamira pamberi pomuɓati, muɓati akamubvunza, akati: Ndiwe mambo waʋaJuda here? Jesu akati kwaari: Ndiɀo ɀamataura. Asi wakati acipomerwa mhoȿa naʋaprista ʋakuru naʋakuru, haana‐kupindura cinhu. Ɀino Pirato akati kwaari: Haunzwi ɀinhu ɀizhinji ɀaʋanokupomedzera here? Asi haana‐kuʋapindura, kunyaŋge neshoko rimŋe cete, muɓati akashamiswa kwaɀo‐kwaɀo naɀo. Ɀino, pamutambo muɓati waisisunuŋgurira ʋanhu ʋazhinji musuŋgwa mumŋe, waʋaneŋge ʋaiɗa. Neŋguʋa iyo ʋaiʋa nomusuŋgwa wakakurumbira, wainzi Barabasi. Naiɀoɀo ʋakati ʋaʋuŋgana, Pirato akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei aniko? Barabasi, kana Jesu, unonzi Kristu? Nokuti wakaŋga aciziʋa kuti ʋakaŋga ʋamuisa kwaari negoɗo. Ɀino wakati agere pacigaro cokutoŋga, mukadzi wake akatumira kwaari, aciti: Usaʋa nemhaka nomunhu uyo wakarurama; nokuti ndakatambudzika ɀikuru nhasi pakurota nokuɗa kwake. Ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋakagombedzera ʋanhu ʋazhinji kuti ʋakumbire Barabasi, Jesu aʋurawe. Muɓati akapindura, akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei aniko kunaiʋaʋo ʋaʋiri? Ʋakati: Barabasi. Pirato akati kwaʋari: Ndicagoiteiko naJesu, unonzi Kristu? Ʋose ʋakati kwaari: Ŋgaaroʋerwe pamucinjikwa. Iye akati: Cakaipa caakagoita ndeceiko? Ʋakanyanyisa kuɗanidzira, ʋaciti: Ŋgaaroʋerwe pamucinjikwa! Ɀino Pirato, aciʋona kuti haɀiɓatsiri, asi kuti pomuka ɓope, wakatora mvura, akashamba maʋoko ake pamberi paʋanhu ʋazhinji, aciti: Handinemhaka neropa romunhu uyu wakarurama; mhaka yenyu! Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋakati: Ropa rake ŋgariʋe pamsoro peɗu napaʋana ʋeɗu. Ɀino akaʋasunuŋgurira Barabasi, asi Jesu wakamuroʋesa kwaɀo, akamuisa kwaʋari, kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋarwi ʋomuɓati ʋakaisa Jesu mumba momuɓati, hondo yose ikaʋuŋganira kwaari. Ʋakamubvisa ŋguʋo dzake, ʋakamufukidza ŋguʋo tȿuku; ʋakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsaŋga muruʋoko rwake rworudyi; ʋakafugama pamberi pake, ʋakamuseka, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda! Ʋakamupfira mate, ʋakatora rutsaŋga, ʋakaramba ʋacimuroʋa musoro. Ʋakati ʋamuseka, ʋakamubvisa ŋguʋo tȿuku, ʋakamupfekedza ŋguʋo dzake, ʋakaenda naye kundomuroʋera pamucinjikwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 27

Mateo 27:1-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)