Mateo 26:6-10
Mateo 26:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuhwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura. Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko? Mafuta anonhuhwira aya angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.” Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo.
Mateo 26:6-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, mumwe mukadzi akauya kwaari anechinu chearibhasitera chaiva namafuta chino mutengo mukuru, akachidururira mumusoro wake, agere pakudya. Asi vadzidzi vake vachizviona, vakafa neshungu, vakati, “Kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?” “Nokuti mafuta awa angadai atengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.” Asi Jesu, achizvinzwa, akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti andiitira basa rakanaka.
Mateo 26:6-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakanga ari kuBhetania ari mumba maSimoni wamaperembudzi. Kwakauya mumwe mukadzi nechinu chamafuta okuzora anokosha kwazvo chearabhasita. Akadururira mafuta acho mumusoro maJesu paakanga agere pakudya. Vadzidzi pavakazviona vakagumburwa nazvo vachiti, “Kurasa mari kudai!” Nokuti mafuta aya angadai atengeswa nemari yakawanda kwazvo ikapiwa kuvarombo. Jesu achizviziva, akati kwavari, “Ko munonetserei mukadzi uyu? Inga aita chinhu chakanakisisa wani kwandiri.
Mateo 26:6-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakati ari paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, mumŋe mukadzi akaʋuya kwaari anecinu cearbastera caiʋa necizoro cinomuteŋgo mukuru, akaciɗurura pamusoro wake, agere pakudya. Asi ʋadzidzi ʋake ʋaciɀiʋona, ʋakafa neshuŋgu, ʋakati: Kuparadzwa kwakaɗaro kwaitirweiko? Nokuti cizoro ici ciŋgaɗai cateŋgeswa nemari zhinji, ikapiwa ʋarombo. Asi Jesu, aciɀinzwa, akati kwaʋari: Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti wandiitira ɓasa rakanaka.
Mateo 26:6-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)