Mateo 26:47 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 26:47 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paakanga achiri kutaura kudaro, Judhasi, mumwe wevane gumi navaviri akasvika. Akauya navanhu vazhinji vakanga vakabata minondo netsvimbo, vakanga vatumwa navaprista vakuru navakuru vavanhu.
Mateo 26:47 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Achataura, tarira Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji-zhinji vakabata minondo, netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navakuru vavanhu.
Mateo 26:47 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Acataura, tarira Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaȿika, anaʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaɓata minondo, netȿimbo, ʋacibva kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu.
Mateo 26:47 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanga achiri kutaura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri akasvika, nechikwata chikuru chavanhu vaine mapakatwa netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru navakuru–vakuru vavanhu.
Mateo 26:47 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Paakanga achiri kutaura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri akasvika, nechikwata chikuru chavanhu vaine mapakatwa netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru navakuru–vakuru vavanhu.