Mateo 26:26-32
Mateo 26:26-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vachiri kudya, Jesu akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akapa vadzidzi vake, achiti, “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.” Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, “Inwai mose. Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo. Ndinokuudzai kuti, handichazonwi zvibereko zvomuzambiringa kubvira zvino kusvikira zuva iro randichazvinwa patsva nemi muumambo hwaBaba vangu.” Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi. Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, boka ramakwai rigopararira.’ Asi mushure mokunge ndamuka, ndichafanotungamira kuGarirea.”
Mateo 26:26-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vodya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokupa vadzidzi vake, achiti kwavari, “Gamuchirai, mudye; uyu muviri wangu.” Akatora mukombe, akavonga, akavapa, achiti, “Inwai mose pauri.” “Nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva, rakadururirwa vazhinji kuti varegererwe zvivi.” Asi ndinoti kwamuri, “Handichatongonwizve zvibereko zvomudzambiringa, kusvikira zuva iro randachizonwa naro nemi, zvava zvitsva, muushe hwaBaba vangu.” Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi. Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa neni usiku huno; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai eboka achaparadzwa.’ Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Gariria.”
Mateo 26:26-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvavakanga vari pakudya, Jesu akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kuvadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda ndokuupa kwavari achiti, “Unwei mose nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva rinodeurirwa vazhinji kuti varegererwe zvitadzo. Ndinokutaurirai kuti handichazonwazve waini yomugirepisi kusvikira pazuva randinozonwa waini itsva nemi muumambo hwaBaba vangu.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda vakaenda kugomo roMuorivhi. Jesu akati kwavari, “Mucharasiswa mose pamusana pangu usiku huno nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi danga rehwai rigopararira.’ Asi kana ndamutswa ndichafanokutungamirirai kuGarirea.”
Mateo 26:26-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋodya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, aciti kwaʋari: Torai, mudye; ici ndiwo muʋiri waŋgu. Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, aciti: Inwai mose pauri. Nokuti ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rakaɗururirwa ʋazhinji kuti ʋakaŋganwirwe ɀiʋi. Asi ndinoti kwamuri: Handicatoŋgonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira zuʋa iro randicazonwa naro nemi, ɀaʋa ɀitȿa, muʋushe bgaƂaɓa ʋaŋgu. Ɀino ʋakati ʋaimba rwiyo, ʋakaɓuɗa ʋakaenda kugomo reMiorivi. Ɀino Jesu wakati kwaʋari: Imi mose mucagumburwa kwandiri ʋusiku bguno; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ndicaroʋa mufudzi, namakwai eɓoka acaparadzwa. Asi kana ndamutswa, ndicakutuŋgamirirai Garirea.
Mateo 26:26-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)