Mateo 25:35-40
Mateo 25:35-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mujeri, mukauya kwandiri.’ “Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? Kana musina nguo, tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mujeri, tikauya kwamuri?’ “Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’
Mateo 25:35-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’ “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’ “Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’
Mateo 25:35-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mujeri, mukauya kwandiri.’ “Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? Kana musina nguo, tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mujeri, tikauya kwamuri?’ “Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’
Mateo 25:35-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti ndakanga ndiine nzara mukandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri muenzi mukandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukandipfekedza. Ndakanga ndichirwara mukandishanyira. Ndaiva mujeri mukauya kwandiri?’ “Vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara tikakupai chokudya kana kuti muine nyota tikakupai chokunwa? Ndirini watakakuonai muri muenzi tikakugamuchirai kana kuti musina chokupfeka tikakupfekedzai? Ndirini watakakuonai muchirwara kana kuti muri mujeri tikakushanyirai?’ “Mambo achavapindura achiti, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pamakaitira izvi kune mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makatoitira ini.’
Mateo 25:35-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndakaŋga ndinenzara, mukandipa cokudya; ndakaŋga ndinenyota, mukandipa cokunwa; ndakaŋga ndiri mŋeni, mukandigamucira; ndakaŋga ndisineŋguʋo, mukandipfekedza; ndakaŋga ndicirwara, mukandifambira; ndakaŋga ndiri mutoroŋgo, mukaʋuya kwandiri. Ɀino ʋakarurama ʋacamupindura, ʋaciti: Ishe, takakuʋonai riniko munenzara, tikakupai cokudya? kana munenyota, tikakupai cokunwa? Takakuʋonai riniko muri mŋeni, tikakugamucirai? kana musineŋguʋo, tikakupfekedzai? Takakuʋonai riniko mucirwara, kana muri mutoroŋgo, tikaʋuya kwamuri? Ishe ucapindura, aciti kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Pamakaɀiitira mumŋe waʋaɗuku ʋehama dzaŋgu idzi, makaɀiitireni.
Mateo 25:35-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)