Mateo 25:28-30
Mateo 25:28-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Mutorerei tarenda iri mupe kune uyo ane matarenda gumi. Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, agova nezvakawanda kwazvo. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa. Uye chikandai muranda uyo asingabatsiri kunze kurima, uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
Mateo 25:28-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo mutorerei tarenda rake, mupe ana matarenda ane gumi. Nokuti mumwe nomumwe unazvo, achapiwa, ave nezvizhinji; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo. Budisirai muranda pasina, murima nokunze; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.’
Mateo 25:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka mutorerei mari iyoyo yetarenda muipe kune ane gumi remari yamatarenda. Nokuti uyo anazvo anotopamhidzirwa zvimwe achitova nezvakatowanda–wanda asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achatorerwa. Uye muranda uya asina maturo mukandei kunze kurima. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.’
Mateo 25:28-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo mutorerei tarenta rake, mupe unamatarenta anegumi. Nokuti mumŋe nomumŋe unaɀo, ucapiwa, aʋe neɀizhinji; asi usina, ucatorerwa neɀaanaɀo. Ƃuɗisirai muranda pasina, murima rokunze; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
Mateo 25:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)