Mateo 25:20 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 25:20 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe mashanu, akati, ‘Tenzi, makandipa matarenda mashanu. Tarirai ndakawana mamwe mashanu.’
Mateo 25:20 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akanga apiwa matarenda mashanu, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda mashanu, tarirai, ndawana mamwe matarenda mashanu.’
Mateo 25:20 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Wakaŋga apiwa matarenta mashanu, akaʋuya namamŋe matarenta mashanu, akati: Ishe, makandipa matarenta mashanu, tarirai, ndawana mamŋe matarenta mashanu.
Mateo 25:20 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu, akauya kwaari namamwe matarenda mashanu achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda mashanu, haano matarenda mamwe mashanu andakashava.’
Mateo 25:20 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu, akauya kwaari namamwe matarenda mashanu achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda mashanu, haano matarenda mamwe mashanu andakashava.’