Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 25:14-15 - Compare All Versions

Mateo 25:14-15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Zvakare, zvichaita somurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake. Kuno mumwe akapa matarenda mashanu emari, kuno mumwe matarenda maviri, uye kuno mumwe tarenda rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Ipapo akaenda zvake parwendo rwake.

Pakurirana nevamwe
Mateo 25 BDSC

Mateo 25:14-15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Nokuti zvakafanana nomunhu akaenda kune imwe nyika, akadana varanda vake, akavaronzera pfuma yake. Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika.

Pakurirana nevamwe
Mateo 25 SNA2002

Mateo 25:14-15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti ɀakafanana nomunhu wakaenda kuneimŋe nyika, akaɗana ʋaranda ʋake, akaʋapa fuma yake. Akapa mumŋe matarenta mashanu, mumŋe maʋiri, mumŋe rimŋe, mumŋe nomumŋe ɀakakwanira simba rake; akaenda kuneimŋe nyika.

Pakurirana nevamwe
Mateo 25 SUB1949

Mateo 25:14-15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Ndinodaro nokuti umambo hwedenga huchaita somunhu akanga ava kuenda kurwendo akadaidza varanda vake akaturira kwavari zvinhu zvake. Akapa mumwe wavo mari yematarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwechete, munhu nemunhu achipiwa maererano nezvaaikwanisa kuita. Ndokubva aenda zvake.

Pakurirana nevamwe
Mateo 25 SCLB

Mateo 25:14-15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mateo 25 SCLBD