Mateo 25:10 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 25:10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa.
Pakurirana nevamwe
Mateo 25 BDSCMateo 25:10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vachienda kundotenga, muwani ndokusvika; zvino, vakanga vakazvigadzira vakapinda naye pamutambo wemuchato, mukova ukapfigwa.
Pakurirana nevamwe
Mateo 25 SNA2002Mateo 25:10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ʋakati ʋacienda kundoteŋga, cikomba ndokuȿika; ɀino, ʋakaŋga ʋakaɀigadzira ʋakapinda naco pamutambo wokuwana, mukoʋa ukapfigwa.
Pakurirana nevamwe
Mateo 25 SUB1949Mateo 25:10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanga vaenda kundotenga, muwani ndiye vhu kusvika. Vaya vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumabiko omuchato. Gonhi ndiye dhwa kuzarirwa.
Pakurirana nevamwe
Mateo 25 SCLBMateo 25:10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Pavakanga vaenda kundotenga, muwani ndiye vhu kusvika. Vaya vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumabiko omuchato. Gonhi ndiye dhwa kuzarirwa.
Pakurirana nevamwe
Mateo 25 SCLBD