Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 24:6-7 - Compare All Versions

Mateo 24:6-7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika. Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana.

Pakurirana nevamwe
Mateo 24 BDSC

Mateo 24:6-7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Muchanzwa zvokurwa nenyaya yokurwa; chenjerai, musavhunduka, nokuti izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika. Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji.

Pakurirana nevamwe
Mateo 24 SNA2002

Mateo 24:6-7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Muchanzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo. Musanyanye kutya zvenyu. Izvi zvinofanira kuti zviitike asi magumo anenge asati asvika. Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe humambo. Kuchava nedzinzara nokundengendeka kwapasi munzvimbo dzakasiyana–siyana.

Pakurirana nevamwe
Mateo 24 SCLBD

Mateo 24:6-7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mucanzwa ɀokurwa neguhu rokurwa; cenjerai, musavunduka, nokuti iɀoɀi ɀose ɀinofanira kumboitwa, asi kuguma kucigere kuȿika. Nokuti rudzi rucamukira rudzi, noʋushe bgucamukira ʋushe; nenzara dzicaʋa’po, nehosha, nokuɗeŋgenyika kwenyika kunɀimbo zhinji.

Pakurirana nevamwe
Mateo 24 SUB1949

Mateo 24:6-7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Muchanzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo. Musanyanye kutya zvenyu. Izvi zvinofanira kuti zviitike asi magumo anenge asati asvika. Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe humambo. Kuchava nedzinzara nokundengendeka kwapasi munzvimbo dzakasiyana–siyana.

Pakurirana nevamwe
Mateo 24 SCLB